Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVari Kufa neCoronavirus Hwowedzera Pasi Rose Asi Zimbabwe Ichiti Ingori neVanhu Vapfumbamwe Chete Vabatwa Nacho


Brooklyn borough of New York City, New York, U.S., April 2, 2020. REUT
Brooklyn borough of New York City, New York, U.S., April 2, 2020. REUT

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora nyaya dzechirwere checornavirus inioti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pasi rose huri kuramba huchikwira uye hwadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri nemakumi matanhatu.

Vanhu vafa pasi rose vave kudarika zviuru zvitanhatu nemakumi masere uye vakawanda vafa pari zvino vari kuItaly kune vanhu vanodarika zviuru gumi nezvishanu nemazana masere varasikirwa nehupenyu.

MuAmerica vanhu vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi masviri nemashanu vabatwa nechirwere ichi uye vanodarika zviuru zvipfumbamwe nemazana mana vashaya. Sangano rinoongorora nyaya dzezvirwere muAfrica, reAfrica Centres for Disease Control Prevention rinoti muAfrica huwandu hwevanhu vachabatwa nechirwere ichi hunogona kukwira zvakanyanya zvikuru munguva yechando uye mwedzi uno.

MuZimbabwe vanhu vapfumbamwe ndivo vabatwa nchirwere ichi uye mumwe chete ndiye akashaya.

Pavanhu ava, bazi rezvehutano rinoti vana vari kuMashonaland East, vana muHarare uye mumwe chete kuMatabeleland North.

Bazi rezvehutano rinoti anenge achida kuziva nezvechirwere ichi anokwanisa kuchaya nhare panhamba dzinoti 2-0-1-9.

Zimbabwe iri kupihwa rutsigiro neChina runosanganisa zvekushandisa mukurwisa chirwere ichi. China ndiyo nyika yakatanga kubatwa nechirwere ichi uye inonzi yakatumira vamwe vanachiremba kuzobatsira Zimbabwe.

Bazi rezvehutano raramba mashoko ekuti ongororo dzaro dzinogona kukonzera mutauro sezvo zvimwe zvikwanisiro zvekuongorora chirwere checoronavirus zvange zvisingashande zvakanaka. Mashoko aya ange ari mupenhau reDaily News uye bazi rezvehutano ranyora padandemutande raro reTwiteter kuti rakatorasa kare zvaisashanda zvacho.

Kutyira nyaya yekuti chirwere ichi chinogona kupararira zvakanyanya, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati vanhu vagare mudzimba dzavo kwemavhiki matatu kubva neMuvhuro svondo rapera.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati VaMnangagwa neSvondo vakaswera vachitenderera nzvimbo dzakawanda muHarare kuti vaone kuti vanhu vari kutevedzera here kurudziro yavo yekuti vagare mumba. VaMangwana vati VaMnangagwa vakafara nezvavaona.

Asi vamwe vave kupomera mapurisa nemauto ari kunzi aone kuti izvi zvaitwa mhosva yekuvashungurudza zvakanyanya uye mazana evanhu asungwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe divi ravo. Asi Muzvare Blessing Gorejena vanotungamira sangano reZimbamwe Human Rights Forum vanoti pane vanhu vakawanda vari kuti vari kushungurudzwa nemapurisa nemauto.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG