Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kufa neKubatwa neCovid-19 Hwotanga Kuwedzera Zvakanyanya muZimbabwe


Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 izvo zvasiya vafa kubva chirwere ichi zvachatanga kupararira vave chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi matatu nevaviri kana kuti 1, 632.

Mumazuva manomwe adarika vanhu makumi maviri nevanomwe kana kuti 27 vafa nechirwere cheCovid-19 zvichienzaniswa nevanhu gumi nemumwe kana kuti 11 vakafa mavhiki maviri adarika munguva imwe cheteyo.

Vanhu zana namakumi matanhatu nevana kana kuti 164 vakabatwa nechirwere ichi neMugovera zvekare zvasiya vabatwa nacho vave zviuru makumi matatu nepfumbamwe zvine mazana masere nemakumi mashanu nevaviri kana kuti 39, 852.

Mumazuva manomwe adarika, vanhu mazana matanhatu nemakumi masere nevana kana kuti 684 vabatwawo nechirwere ichi zvichienzaniswa nevanhu mazana maviri nemakumi matatu nevashanu kana kut 235 mumavhiki maviri adarika munguva imwe cheteyo.

Nyaya yekukwira khuwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi yakapa kuti hurumende iise mitemo yakati omei kutanga kuKwekwe, karoi neKariba.

Vanhu makumi maviri nevaviri kana kuti 22 ndivo vakapona zvasiya vapona vave zviuru makumi matatu nematanhatu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 36, 992.

Vanhu vari kurwara parizvino vave chiuru chimwe chete nemazana maviri nemakumi maviri nevasere kana kuti 1, 228.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu zviuru mazana matanhatu zvine makumi mapfumbamwe nevavuiri nezana nemakumi masere kana kuti 692, 180 vabayiwa nhoomba yekutanga yekudzivirira Covid-19.

Vanhu zviuru mazana mana negumi nerimwe zvine mazana maviri negumi nevasere kana kuti 411, 218 vabayiwayo nhomba kaviri sezvino kurudzirwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Asi zviri kubuda kubva kubazi rezvehutano zvinoratidza kuti chirwere ichi chave kudzoka zvine mutsindo.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika varizve gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga neMugovera vakazivisawo kuti hurumende yave kusimbaradza mitemo yekuona kuti vanhu vatevedzera zvinoda kuitwa kuti chirwere ichi chisadzoke zvine mutsindo.

Nzvimbo dzakatotanga kuiswa mitemo yakati omei sezvo dziine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi dzinoti Kwekwe, Karoi neKariba.

.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG