Accessibility links

Breaking News

Vopumhana Huroyi muZanu PF kuMashonaland West


Hutungamiri hweZanu PF kuMashonaland West, uho hwakamiswa basa iri svondo rapera, hwaramba kuti hwakamiswa basa, sezvo musangano wakaitwa wekutora matanho aya, usina kuitwa zviri pamutemo webato iri.

Svondo rapera Zanu PF Mashonaland West Provincial Coordinating Committee yakazivisa kuti yakanga yamisa basa sachigaro wedunhu iri, VaJohn Mafa, mutevedzeri wavo, VaFrank Ndambakuwa, pamwe nemunyori wezveminda, VaTemba Mliswa, nezvikonzero zvekusafambisa basa nemazvo.

Chigaro chasachigaro chakapiwa kuna VaRobert Sikanyika, avo vanga vari munyori, kotiwo chemutewedzeri wasachigaro, chakapiwa kuna VaReuben Marumahoko. Hapasati padomwa achatora chinzvimbo chemunyori wezveminda.

VaMafa vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti ndivo vachiri mutungamiri weZanu PF kuMashonaland West.

Svondo rapera VaMafa vakambobvunzurudzwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekubiwa kwefotereza yaifanirwa kutengeserwa varimi mudunhu iri.

Ukuwo VaMliswa vanoti nyaya huru yaita kuti vanzi vamiswa basa, ine chekuita nehuwori hwavari kuburitsa mugwaro ravo reongororo yeminda.

VaMliswa vanoti vari kufumura vatungamiri vebato ravo vakaita segurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, avo vavanoti vane mapurazi akawanda, pamwe negurukota rezvekuburitswa kwemashoko,VaWebster Shamu, vavanopomera mhosva yekubatana nevarungu pakurima muminda yakagoverwa vanhu patsva, izvo vati zviri kunze kwezvisungo zvekugoverwa kwevhu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaChombo pamwe naVaShamu, kuitira kuti tinzwe divi ravo.

Asi VaMliswa vanoti gwaro ravakanyora vari kuriendesa kuhutungamiri weZanu PF, kuitira kuti bato iri ritore matanho anokodzera.

XS
SM
MD
LG