Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozengurira Kudzinga Vashandi Vayo Vasati Vabayiwa Nhomba yeCovid-19 seZvayanga Yavimbisa


Vashandi vakawanda vehurumende vasati vabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 neMuvhuro vakaenda kubasa zvisinei nemutemo wechimbi chimbi wehurumende wekuti vange vasati vabayiwa nhomba kusvika musi wa 15 Gumiguru vamire kuenda kubasa vachinziwo havasi kuzotambiriswa mari dzemihoro

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende haisi kuzodududza padanho iri kunyangwe ichitambira zvichemo zvevamwe vashandi vasati vabayiwa.

Vati vanogara kunzvimbo dzisati dzasvika nhomba vanofanira kunge vabayiwa musi wa 31 Zvita usati wadarika. Vayambira vari kutsika madziro kuti vachadzingwa basa.

Asi mutauriri wesangano rinomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Conferderation of Public Sector Trade Union, VaGibson Mushangu vati hurumende haifanire kuita zano ndega panyaya iyi vachiti havasi kuziviswa kuti zvii zviri kuitwa kuvashandi.

VaMushangu vati kunyange hazvo zvakakosha kuti vashandi vabaiwe nhomba kuti vazvidzivirira kubva kuCovid-19, hurumende inofanirawo kukoshesa kuwedzera vashandi mari dzemihoro.

Mutungamiriri we Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 vati kunyangwe hazvo vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dzibayiwe nhomba, parizvino vari kukurudzira nhengo dzisina kubayiwa kuti dziende kumabasa vachitiwo hurumende haisi kutarisa zvichemo zvavo.

Mutungamiriri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti pane dzimwe nhengo dzesangano ravo dzisina kuenda asi vakadzikurudzira kuti dziende kubasa mangwana.

VaZhou vati pane zvikonzero zvakawanda zviri kuita kuti varairidzi vasabaiwe nhomba.

VaZhou vati sekuziva kwavo, varairidzi vanodarika zviuru makumi matatu chete ndivo vega vabaiwa nhomba mbiri uye varairidzi vanodarika zviuru zana havasati vatambo baiwa nhomba yekutanga.

Mutauriri mubazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati bazi rehutano ndiro rinoziva kuti varairidzi vangana vakabaiwa nhomba asi vakati zvikamu makumi mapfumbabwe kubva muzana zvevarairidzi vese munyika zviri kuenda kubasa.

Sangano guru revashandi reZCTU rakaenda kumatare richiti kumanikidza vashandi kubayiwa nhomba kutyora bumbiro remutemo asi nyaya iyi yakanzi haisi nechimbi chinbi nematare.

Hurumende yakaburitsa mutemo wekuti vanhu vabayiwe kuburikidza negwaro rayo kana kuti Government Gazette.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG