Gurukota rinoona nezvemaindustry Doctor Sekai Nzenza vanoti hurumende iri kuyedza kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwehupfu uye yakatoita musangano nevanogaya hupfu kuti vazeye nyaya iyi.
Asi vanogaya hupfu vanoti danho rehurumende rekuti vatange vatenga chibage chichidhura votengesa nemutengo uri pasi netarisiro yekupihwa mari nehurumende zvinonetsa.
Vanotiwo pane dzimwe mari dzavakashandisa kare dzavasiri kupihwa. Nyaya yedambudziko iri yakabudawo pachirongwa chekuchenesa nyika chakaitwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuKuwadzana nemusi weChishanu.
Vanhu vakaudza VaMnangagwa kuti hupfu huri kudhura uye hwakachipa hausi kubatika.
Asi mumwe mutevedzeri wemutungamiri weMDC uye vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti vanoti hurumende haisi kuzogadzirisa dambudziko iri nekuti mitemo yayo haina kumira zvakanaka.
Vati vanogaya hupfu vanofanira kupihwa mukana wekupinza chibage munyika kwete kuti zviitwe neGMB.
Facebook Forum