Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoyedza Kudzivisa Varairidzi Kuratidzira


Gurukota rinoshanda riri muhofisi yemutungamiri wenyika richiona nezvezadziswa kwezvirongwa zvehurumende, VaSimbarashe Mumbengegwi, vakurudzira vadzidzisi kuti vasaramwe mabasa panovhurwa zvikoro svondo rinouya izvo zvaramba kutambirwa nevatungamiri vemasangano anomirira vadzidzisi.

Vachitaura nevatori venhau nezuro manheru pamahofisi avo, VaMumbengegwi vakati vadzidzisi havafanire kuramwa mabasa vachiti vana vechikoro ndivo vanorasikirwa nefundo kana varairidzi vakaramwa mabasa.

VaMumbengegwi vakati hurumende yakasangana nenhengo dzakasarudzwa dzinomirira sangano revashandi vehurumende reApex Council rinosanganisira vadzidzisi mwedzi wapera vakataurirana zviri kunetsa vadzidzisi.

VaMumbengegwi vakati hurumende yakapa Apex Council mukana wekunonyora pasi zvose zvavari kuda izvo zvavachzozeya pamusangano wakatarisirwa kuitwa mangwana Chishanu.

Vakaenderera mberi vachiti vadzidzisi kana vachida kuramwa mabasa vanofanira kutevedzera mutemo wakatarwa kwete kuti vangofuma voti vave kuramwa mabasa uye vakarumbidza Apex Council nekutevedzera gwara iri.

VaMumbengegwi vakakurudzira vadzidzise vose kuti vaende kumabasa panovhurwa zvikoro svondo rinouya vachiti vasaterere vamwe vatungamiri vemasangano evadzidzisi ari kukurudzira kuti varamwe mabasa.

Zvichakadai, mutungamiri wesangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure vanoti i kutaura kwakazoitwa naVaMumbengegwi nezuro manheru kunoratidza kuti vakanzwa zvichemo zvevarairidzi vakati mushonga wengozi kuiripa.

Izvi zvatsinhirwa nemunyori mukuru musangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe.

VaMajongwe vanoti VaMumbengegwi havafanire kutsigira sangano reApex Council vachiti chinodikanwa kuona kuti nhuna dzevaraidzi dzagarisiswa kuitira kuti vana vechikoro vadzidziswe nevaraidzi vane mwoyo inoda.

Masangano anomirira vadzidzisi pasi pemumubatanidzwa wemasangano evashandi vehururumende urikudadzwa kuti Federation of Zimbabwe Educators Union, kana kuti FOZEU, uyo unosanganisira PTUZ, ZIMTA neARTUZ nemamwe, anoti hurumende inofanira kuwedzera vadzidzisi mari dzemihoro, dzemari dzekushanda vari kumaruwa nekupihwa mukana wekuenda parivhi.

FOZEU inoti kana zvichemo zvayo zvisati zvagadziriswa vadzidzisi havasi kuzoenda kumabasa panovhurwa zvikoro.

Hurumende yakadzinga vana mukoti pavakaramwa mabasa mwedzi wapera pavakakanda mapadza pasi vachiti vaida kuwedzerwa mari dzemihoro uye kupihwa zvekushandisa pabasa ravo izvo zviri kushorwa nemasangano anomirira zvido zvevashandi akaita seZimbabwe Congress of Trade Unions.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG