Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovimbisa Kuvandudza Mitemo yeKuburitswa kweMashoko Gore Rino


Vachitaura pamhemberero dzeWorld Press Freedom Day dzarongwa nesangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe vati havakwanisi kutaura kuti mitemo mitsva yekuvandudza mutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act uchavandudzwa rinhi.

Asi vati vane chivimbo chekuti zvinogona kuitwa mukupera kwegore sezvo hurumende iri kuda kuti mitemo yose ienderane nebumbiro guru remutemo.

Rimwe gweta VaChris Mhike vanotiwo zvinosuwisa kuti vatori venhau vari kupemberera zuva rekuburitswa kwenhau (World Press Freedom Day) pasina Broadcasting Authority of Zimbabwe inofanirwa kupa marezinesi ekutepfenyura .

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, VaTabani Moyo,vakurudzirawo hurumende kuti apo iri kushandura mitemo itevedzerewo mitemo nezvibvumirano zvinoitwa nemamwe masangano akaita seUnited Nations.

VaMoyo vatiwo hurumende inofanirwa kubvumidza vemabhizimusi vekunze kuti vawane zvikamu zvinodarika makumi maviri kubva muzana mumakambani anoita zvekutepfenyura.

VaMoyo vakurudzirawo vatori venhau kuti vaite basa ravo nemazvo. World Press Freedom Day inocherechedzwa musi wa3 Chivabvu gore rega rega sekutarwa kwazvakaitwa nesangano reUnited Nations.

MISA yapemberera zuva iri pasi pedingindira rinotarisa zvingaitwe kubatsira hutongo hwejekeerere mudunhu rekuchamhembe kweAfrica nemunyika dzose dzevatema kana kuti Regional and Continental Instruments Key to Democratic Media Reforms.

Nyaya Ina Rutendo Mawere - World Press Freedom Day
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG