Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotyora Mutongo weDare neKuchera Mangoda kwaMarange


Vaimbove sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa, VaTemba Mliswa, vanoti vagari vekwaChiadwa vanofanirwa kutaura nehurumende kuti iremekede mutongo wedare repamusoro soro wekuti kambani yayo inochera mangoda kwaMarange yeZimbabwe Consolidated Diamond Company kana kuti ZCDC isachere mangoda iri kushanda zviri kunze kwemutemo.

VaMliswa vakaudza vanhu vakapinda mumusangano weDiamond Indaba kwaMutare kuti varatidzire kuti vamanikidze hurumende kuti itevedzere mutemo zvichazovapawo chouviri kana mangoda ocherwa zvisina huori.

VaMliswa vakati kuti zvakatarwa nedare zvitevedzerwe zvinoda kuti vagari vabatane pamwe chete votaura nehurumende kuti chisungo chedare chiremekedzwe.

Mashoko aVaMliswa anotevera mutongo wedare reSupreme Court iro akarasa chikumbiro chehurumende nekambani yayo yeZCDC chekuti kambani yeGrandwell Holdings, iyo yaive nezvikamu makumi mashanu kubva muzana mukambani yeMbada Diamonds, isabvumidzwe kuchera mangoda.

Vatongi vedare iri, VaTendai Uchena, Amai Antonia Guvava naVaBharat Patel, vakabvumirana kuti vaive gurukota rezvemigodhi panguva iyi, VaWalter Chaidhakwa, pamwe nekambani yeZimbabwe Mining Development Corporation, vakanga vatadza pakavabvisa Mbada Diamonds nechisimba munzvimbo iyi. Vatongi ava vakatiwo ZCDC haina mvumo yekuramba iri muminda yemangoda. Mumwe mugare wekwaMarange, VaMisheck Sunguro, vati vanowirirana nemaonero aVaMliswa.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Enviromental Lawyers Association, VaShamiso Mtisi, vati mutongo wakapihwa nedare repamusoro havasati vanyatsouongorora. Vanoti, “Mutongo wakapihwa unoda kutanga waonekwa kuti wakamira seyi zvikuru kune makambani acho akaendesa chichemo chekuti akamiswa kuita mabasa awo munguva yapfuura.”

Rimwe gweta rinoshandira maMutare, VaDavid Tandiri, vati ZCDC ikambani yakaumbwa nehurumende zvechimbichimbi ikanyoreswa ichinzi yakazvimirira yoga asi hurumende iine zvikamu zvakawanda mairi.

Musangano uyu wakapindwa nevagari vanobva kuArda Transau kwakatamiswa mhuri kubva kwaMarange, vamwe vekuChimanimani uye nenzvimbo dzakapoterera.

Nyanzvi dzakapindwawo mumusangano uyu dzichipawo pfungwa dzadzo pamusoro pekushandiswa kwemangoda kunobatsira vagari nenyika yose pasina kuvavakidzani.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG