Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotora Minda Yose yeMangoda


Dare remakurukota neChipiri rakatenderana kuti migodhi yemangoda anocherwa pedyo nepamusoro pevhu seekwaMarange anofanira kucherwa nehurumende chete.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, ndivo vakatanga kutaura nyaya yekuti minda yose yemangoda itorwe nehurumende muna Chikunguru vachiti makambani ainge achishanda kuminda yekwaChiyadzwa haana zvakati tsvikiti zvaaibatsira hurumende nazvo sezvo pasina mari yakawanda yaipinda muhomwe mebazi ravo.

Asi rimwe gurukota reMDC rataura neStudio7 rati kunyange vanhu vatema vemuZimbabwe vari kunzi vatore zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kana kuti 51% mune makambani mamwe ose ezvicherwa, vanofanira kuti vabhadhare kwete kuti vapihwe pachena.

Asi Zanu-PF iri kuyedza kuti makambani aya abhadhare mutero kana kuti levy yekuti vaumbe homwe yekupa vatema vanozotenga zvikamu zvehupfumi mumakambani aya.

Nyaya iyi inonzi iri kukonzera kusawirirana mudare remakurukota. Mutauriri webazi rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPsychology Mazivisa, vanoti hapana kudzokera shure panyaya iyi.

Zvichakadaro, hurumende yeIndia yarambidza makambani ayo anoita zvemangoda kuti asatenga mangoda ekwaMarange asina kupihwa mvumo neKimberley Process.

Bazi renyika iyi rinoona nezvezvicherwa nekutengeserana rakanyorera makambani anochenesa mangoda kuti asabata mangoda ekwaMarange zvinova zvakonzera kushushikana muIndia.

Makambani aya ari kuchema chema kuti mangoda ari pamisika yepasi rose mashoma zvekuti kuvarambidza kutenga mangoda aya kungangokonzera kuburitswa kwemangoda zvisiri pamutemo munyika dzinoachera.

Kurudziro yeIndia iyi inoitika mushure mekunge kambani yeSurat Rough Diamond Sourcing India Limited yanyorerana chibvumirano neZimbabwe Diamond Consortium chekuti vemuZimbabwe vange vachichenesa mangoda anenge atengwa nekambani iyi.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, kuti tinzwe kuti vanotambira seyi zvaitwa neIndia.

Gweta rinoshanda muLondon, VaJulius Mutyambizi, vanoti zvechikiribidi zvange zvoita kwaMarange zvinofanira kumiswa.

XS
SM
MD
LG