Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotengesera Mauto neMapurisa Zvekudya neMutengo wePasi


Dare remakurukota nhasi rabuda nechisungo chekuti mauto nemapurisa vapihwe mukana wekutenga zvinhu nemutengo wakaderera muzvitoro zviri kumakamba avo.

Vamwe vanopikisa nevanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti zviri pachena kuti hurumende iri kutya kupidigurwa nemauto zvakaitwa vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Gurukota rinoona rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti kubatsira mauto hakunei nekutya kuti vanogona kupanduka hurumende vachiti pane zvirongwa zvekubatsira vanhu vose munyika.

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Asi mutevedzeri wemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato reMDC Senator Douglas Mwonzora vanoti kuvhundika chati kwatara hunge uine katukwa nekudaro zviri pachena kuti hurumende iri kutya kupandukirwa nemauto.

VaMwonzora vati hurumende inofanira kubatsira vanhu vose vanoshupika munyika kwete vanodzivirira nyika chete.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Hurumende inoti yaumbawo homwe yekuti vashandi vayo vakwanise kukwereta mari nemutero uri pasi kune vanenge vachida kubatirwa mari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG