Accessibility links

Mari dzeBudiro yeMatunhu Dzakapihwa Pasati Pava neMitemo Inobata Mari Dzakadai

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zvichitevera kusashandiswa zvakanaka kwakaitwa mari yekusimudzira matunhu, yeCommunity Development Fund, CDF, nedzimwe nhengo dzeparamende dzinosanganisira makurukota, hurumende inoti yave kuumba mutemo unotara mashandisirwo achaitwa mari iyi pamwe nezvirango zvichatemerwa vanenge vashandisa mari iyi zvisiri pamwero.

Mashoko aya ataurwa negurukota rinoona nezvebumbiro remutemo pamwe neparamende, VaEric Matinenga, apo vange vachipa hombowo hwekuti hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro hwave papi kukomiti yeparamende inoona nezvemitemo.

VaMatinenga vati bazi ravo rainge risina ruzivo nezvekuparurwa kwehomwe iyi ndosaka mari idzi dzakapihwa kunhengo dzeparamende pasina mutemo unotara mashandisirwo adzo.

Vati kunyange hazvo painge pasina mutemo wemashandisirwe emari iyi, bazi ravo rakapa nhengo dzedare reparamende gwaro rekuti vatairisirwa kushandisa mari iyi sei uye vamwe havana kuda kutevedzera gwaro iri.

Vati kunyange hazvo paine vamwe vasina kushandisa mari iyi zvakanaka, pane vamwe vakawanda vakashandisa mari iyi zvinodadisa.

Pane nhengo dzeparamende kusanganisira makurukota ehurumende anonzi haana kushandisa mari yeCDF zvine mwero uye vamwe vacho vakatosungwa vakatomiswa mumatare edzimhosva.

CDF yakaparurwa muna 2010 apo nhengo dzeparamende dzakapihwa zviuru makumi mashanu zvemadhora pagore uye mari iyi yakawedzerwa kusvika pamadhora zviuru makumi matanhatu gore rapfuura.

Asi gore rapfuura, hurumende haina kukwanisa kupa mari iyi nekuda kwekushakwa kwemari.

Zvichakadai, VaMatinenga vati bazi ravo richiri kuongorora mashandisirwe akaitwa mari yeCDF asi basa iri riri kutadziswa kuenderera mberi nekushaikwa kwemari.

VaMatinenga vati chirongwa chebumdiro idzva remitemo yenyika chiri kufambira mberi uye vanhu havafaniri kuteerera manyepo ari kunyorwa mumapepanhau akaita seSunday Mail.

VaMatinenga vatsanangurawo kuti pane dzimwe nyaya dzisati dzabvumiranwa dzakaita senyaya yekuti nyika yoita mutongo werufu here kana kuti kwete nedzimwe.

Vati kana zvinhu zvikafamba sekuda kwavo, referendamu ichaitwa muna Gunyana wegore rino.

Vatiwo kusvika pari zvino hurumende yashandisa mamiriyoni gumi nemasere emadhora, kozoti masangano anobatsira ashandisa mamiriyoni makumi maviri nemana emadhora pachirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva.

Pasi pechibvumirano cheGobal Political Agreement, Zimbabwe inosungirwa kutanga yanyora bumbiro idzva munyika musati maitwa sarudzo.

Sangano reNCA rinoti harisi kutsigira hurongwa uhu nekuti hurumende ndiyo iri kutungamira mukunyorwa kwebumbiro idzva.

NCA inoti ichakurudzira veruzhinji kuramba kutambira bumbiro iri pareferendamu ichaitwa, sezvarakaita muna Kukadzi 2000.

Mune imweeo nyaya, sangano rinoferefeta nyaya dzehuori, re Anti-corruption Commission of Zimbabwe, rinoti richaenderera mberi nekuferefeta huwori huri kupomerwa dzimwe nhengo dzeparamende pamwe nemakurukota vari kunzi havana kushandisa mari dzebudiriro zvakanaka.

Sachigaro vesangano re Anti-Corruption Commission, VaDenford Chirindo, vanoti kunyange hazvo muchuchusi mukuru wenyika, Va Johannes Tomana, vakati mapurisa anofanirwa kutanga aferefeta vanhu vasati vasungwa, ivo sekomisheni basa ravo nderekuona kuti pane mhosva here yakaparwa kana kuti kwete.

XS
SM
MD
LG