Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshanda neCOMESA Kumutsiridza Kutengeswa kweMatehwe


Doctor Sekai Nzenza

Hurumende inoti yawana mari kubva kusangano rekutengeserana kwenyika dzekuchamhembe nekumabuda zuva kweAfrica reCommon Market for Eastern and Southern Africa kana kuti COMESA kuti imutsiridza industry yekutengesa matehwe.

Kushomweka kwemombe kwapa kuti makambani emunyika akaita seBata atatarike kuwana matehwe. Muna 2000 Zimbabwe yaigadzira shangu dzinodarika mamiriyoni gumi nemanomwe kana kuti 17 million asi ikozvino basa iri raderera zvikuru.

Mukuru webata VaSimon Mutisya vakatoyambira kuti vanogona kumisa vamwe vashandi basa nekuda kweCovid-19 uye kushaya zvakawanda zvinodiwa kugadzira butsu sezvo vave kumanikidzwa kuzvitenga kunze kwenyika nekuti nyika iri kukundikana.

Bata ine vashandi vanodarika zviuru zvishanu. Zimbabwe kare yaikwanisawo kutengesa nyama yemombe kumisika yeEuropean Union izvo yave kutatarika kuita makore ano nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Makambani akawanda ari kuvharwa zvosiya vanhu vakawanda vasina mabasa.

Hurukuro naDoctor Sekai Nzenza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG