Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Sarudzo Gore Rinouya


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, uye sachigaro we Zimbabwe Electoral Commission, VaSimpson Mutambanengwe, vari kuzeya nyaya dzesarudzo gore rinouya.

VaBiti vakasangana naVaMugabe neChipiri vakakurukura nezvemari ingangodiwa kuti sarudzo dziitwe. Asi zuva resarudzo harisati ratarwa. VaBiti vanoti panodiwa mazana maviri emamiriyoni emadhora kuti sarudzo dziitwe.

Zimbabwe iri kutsvaga mabhiriyoni gumi emadhora yekugadzirisa hupfumi, asi yakangowana mabhiriyoni maviri chete.

VaBiti mumazuva apfuura vange vave kutarisa kunyika dzakaita seBotswana neSouth Africa kuti vawane zvikwereti.

VaMugabe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakatoudza vatsigiri vavo kuti vagare vakagadzirira sarudzo gore rinouya.

Asi vamwe vanoti nemaronda asina kupora akakonzerwa nesarudzo dza 2008, nyika haina kugadzirira kuita sarudzo gore rinouya.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti sarudzo dzichaitwa panopera referendamu. VaMutambanegwe vanoti vari kutarisira kuita hurukuro dzesarudzo naVaMugabe naVaBiti chero nguva.

XS
SM
MD
LG