Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kutora Migodhi Pasina Muripo


Nyaya yekutorwa kwezvikamu zvehupfumi hwemakambani ekunze makumi mashanu nechimwe kubva muzana, kana kuti 51%, pasi pechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema, inenge yoda kutora nzira imwe chete nechirongwa cheZanu-PF chehondo yeminda chekutora zvinhu pasina kubhadhara.

Kambani yeZimplats inochera platiunum inoti iri kuda mari inosvika mamiriyoni mazana matatu emadhora isati yapa Zimbabwe zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana.

Asi hurumende, iyo isina mari, inenge yave kuimba rumwe rwiyo ichiti Zimplats inofanira kuipa zvikamu zvairi kuda pasina mubhadharo.

Mashoko aya atsinhirwa negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, avo vaudza Studio 7 kuti vemakambani havafanire kuda kuomesera hurumende pakubhadhara vachiti zvicherwa zvose ndezveZimbabwe nekudaro vekunze vanenge vachida kuomesa musoro vanogona kuguma votorerwa marezinesi avakapihwa.

Hapana kuwirirana pakati peMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe neZanu-PF yavo. VeMDC vanoti hurumende haifanire kuda kuita zvenhafu.

Asi Zanu-PF inoti hapana kudzokera kumashure kunyange hayo isina mabhiriyoni akawanda emadhora ari kudiwa pakutenga zvikamu zviri kudiwa izvi kubva kumakambani emigodhi aya.

Mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaObert Gutu, vanoti VaMpofu havana simba rekuita zvavari kutaura.

XS
SM
MD
LG