Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kunyukura Bhanga Guru reNyika


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanonzi vane hurongwa hwekuti bazi ravo ritakure mutoro wezvikwereti zvine bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kuburikidza nekuvepo kwebhiri reRBZ Debt Restructuring Bill, senzira yekuchengetedza bhanga iri pamwe nemidziyo yaro.

VaBiti vaudza Studio7 kuti vane hurongwa hwekuti vagadzirise zvikwereti zveRBZ, izvo vati zvakawanda. Asi VaBiti havana kuda kutaura zvizhinji pamusoro pehurongwa uhu.

RBZ inonzi ine zvikwereti zvinodarika bhiriyoni rimwe chete remadhora, uye midziyo yaro yakawanda yakatotengeswa senzira yekudzora zvikwereti izvi.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudza Studio7 kuti zviri kuda kurongwa nehurumende hazvina zvikuru zvazvinoyamura, sezvo hurumende iinewo zvikwereti zvayo zvakawanda.

XS
SM
MD
LG