Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kuongorora Madzimai Akawanda Chirwere cheGomarara


Kuongorora chirwere chegomarara

Hurumende inoti inotarisira kuve yaongorora gomarara remuromo wechibereko pamadzimai mamiriyoni matatu nemazana maviri panozosvika gore ra2020.

Asi hurumende iri kutendawo kuti kune mamwe maruwa uchava mutoro sezvo kusina michina.

Amai Yeukai Zhou vanobva kwaNhema kuShurugwi vanoti kunyanyangwe hazvo vachiziva kuti zvakakosha kuongoorwa gomarara rechibereko kusavepo kwezvipatara pedyo navo zvinoisa hutano hwavo panjodzi.

Aya ndiwo matambudziko akasangana nemadzimai akawanda ari mumaruwa kunova kunogara vanhu vazhinji.

Vamwe chiremba vari nyanzvi munyaya dzehutano hwemadzimai Dr Angeline Mapanga vanoti gomarara remuromo wechibereko iri rinokonzerwa neHuman Papiloma Virus inotapuriranwa pabonde.

Gwaro reNational Cancer Prevention and Control Strategy for Zimbabwe (2014-2018) rinoti pamagomarara ese, gomarara remuromo wechibereko ndo ririkunyanyouraya madzimai nezvikamu makumi matatu nechidimbu kubva muzana.

Bazi rezvehutano rinotiwo gomarara rechibereko idambudziko guru munyika. Mumwe mukuru mubazi rezvehutano, Doctor Bernard Madzima vanoti vari kuvavarira kuve vaongorora gomarara iri pamadzimai mamiriyoni matatu nemazana maviri ezviuru panozosvika gore ra2020.

VaMadzima vanoti parizvino pagore kuri kuongororwa madzimai anosvika zana rezviuru vachiti huwandu uhwu huripasi zvakanyanya uye nyika inofanirwa kuwedzera huwandu hwevanhu vanoongororwa.

Bazi rezvehutano rinotiwo Zimbabwe rine nzvimbo dzinosvika zana nemakumi matatu dzinoongorora gomarara remuromo wechibereko.

Mumwe mushandi wekuZimbabwe Association of Church Related Hospitals Amai Anna Machakata Rufu avo vane zvipatara zvinopawo madzimai mikana yekunoongororwa gomarara remuromo wechibereko pachena vanoti hapana chingakonese Zimbabwe kusvitsa huwandu hwemadzimai avanotarisira kuve vaongorora gomarara iri muna 2020.

Amai Muchakata Rufu vanoti zvakakosha parizvino kupa madzimai ruzivo rwekuti zvii zvakanakira kuongororwa gomarara remuromo wechibereko. Vatiwo madzimai anofanira kubvunza pazvipatara zviri pedyo navo kuti vaziviswe kwavanogona kunoongororwa pachena.

Gwaro rakaburitswa nekomiti yeseneti inoona nezvekuenzaniswa kwemikana nebudiriro mushure mukushanyira zvipatara zvine michina yekuongorora gomarara iri rakaburitsa pachena kuti pavanhu zviuru zvinomwe vakaongororwa pachipatara cheParirenyatwa, zviuru zviviri vakashaya.

Rufu urwu runonzi rurukukonzerwa nekuti vanhu vanenge vanonoka kuenda kuchipatara kana kuti vanenge vasina mari yekutenga mushonga uyo unodhura.

Komiti iyi inotiwo muna 2018 bazi rezvehutano rakapihwa mari inosvika zviuru mazana makumi mashanu zvekushambadzira chirwere ichi asi gore rino rakapihwa zviuru makumi manomwe nemashanu chete.

Komiti iyi yakakurudzira hurumende kuti ishambadzire nezvechirwere ichi kumunhu wese uye kuumba homwe yekurapa gomarara sezvakaitwa HIV/AIDS.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG