Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yorasikirwa neMabhiriyoni Matatu eMadhorobha Mukutengeswa kweNzimbo dzeKuvakira Zviri paMutemo


Mey weHarare VaHerbert Gomba
Mey weHarare VaHerbert Gomba

Gwaro rakaburitswa nekomisheni yange ichioongorora mashandisirwo nematengeserwo enzvimbo dzekugara mumadhorobha nenzvimbo dzakatenderedza iri kuratidza kuti hurumende yakarasikirwa nemari inodarika mabhiriyoni matatu ekuAmerica uye vanhu vaitengeserwa vakarasikirwawo nemari yakawanda zvikuru.

Sachigaro wekomisheni iyi, yeCommission of Inquiry into the Sale of State Land in And Around Urban Settlements, Justice Tendai Uchena vakapa gwaro iri kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vavimbisa kumusangano webato ravo reZanu-PF kuti hurumendei ichasunga vose vaitengesera vanhu nzvimbo zvisiri pamutemo uye kuripa vakabirwa.

Gwaro iri riri kushorawo zvikuru zvinoitwa nebazi rezvematunhu iro riri kupomerwa mhosva yekuita kuti zvive nyore kuita zvehuori uye rinoti vose vainge vaine chekuita nekugariswa kwevanhu vachishanda mumapazi ehurumende kubva muna 2005 kusvika parizvino vaferefetwe kana vaine nyaya dzehuori dzavakapara.

Komisheni iyi inoti veZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, National Prosecution Authority nemapurisa vabatsire mukuferefeta vari kupomerwa nyaya dzehuori ava.

Vakafanobata chigaro chemunyori wekanzuru yeChitungwiza, Engineer David Duma, pamwe nemukuru mubazi rezvedzimba, Amai Hazel Sithole, vambomiswa basa vachipomerwa mhosva dzekutengesa nzvimbo dzekuvakira zvisiri pamutemo.

Vamwe vakuru vemishandirapamwe gumi nevaviri vakatosungwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, kuti tinzwe divi ravo sezvo nhare mbozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi mutauriri weZACC, VaJohn Makamure, vati tizovafonera asi hatina kukwanisa kuvabata pataenda pamhepo.

Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vati vanotambira nemaoko maviri gwaro iri vachiti vanhu vange vogara pose pose vange vovavhiringira basa.

Hurukuro naVaHerbert Gomba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG