Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoramba Kuti Muzvare Marry Mubayiwa Vanorapwa Kunze Ichiti Vanotiza


Amai Marry Mubayiwa vachibatsirwa kufamba kuti vapinde mudare
Amai Marry Mubayiwa vachibatsirwa kufamba kuti vapinde mudare

Magweta ehurumende ari kupikisa chikumbiro chemudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga uyo wavari kunetsana naye, Muzvare Mary Mubaiwa, chekuti vadzoserwe pasipoti yavo kuti vanorapwa chanzwikwa nedare repamusoro nhasi hurumende ichipikisa chikumbiro ichi ichiti vanogona kutiza.

Vachisvitsa chikumbiro ichi, gweta raMuzvare Mubaiwa, Amai Beatrice Mtetwa vaudza dare kuti Muzvare Mubaiwa vari kurwara zvakaipisisa zvekuti vave kutogara ne tube inodhonza hurwa mumaoko avo ayo akakuvara pakaputika bhambu kuWhite City Stadium kuBulawayo paiitwa musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevatsigiri vavo pamberi pesarudzo dzemuna 2018.

Amai Mtetwa vati Muzvare Mubaiwa varikuda pasipoti yavo kuti vanorapwa kuSouth Africa sezvo muZimbabwe musina ana chiremba vanokwanisa kuvarapa. Mutongi wedare, VaBenjamin Chikowero, vamboti Muzvare Mubaiwa vaunzwe kudare asi pavaunzwa VaChikowero vazoti havasi kukwanisa kuvaona vachiti hazvina zvazvinobatsira sezvo vasiri chiremba.

Zvichakadai, gweta rehurumende, Amai Sharon Fero, vati muZimbabwe munana mazvikokota vanokwanisa kuvarapa vakaburitsa tsamba yevamwe chiremba vapachipatara cheParirenyatwa vanzi vanonzi Doctor Magure avo vati mutsamba yavo vanoda kuunganidza anachiremba vakawanda kuti vaone kuti chirwere chekuzvimba maoko nemakumbo china Muzvare Mubaiwa chinorapika here.

Amai Fero vatiwo Muzvare Mubaiwa vanogona kunovhiringidzana nevafakazi kuSouth Africa uye vanogona kusadzoka kuti vazotongwa pamhosva yavari kupomerwa muno sezvo vari munhu ane midziyo nedzimba kuSouth Africa kwakare.

Asi Amai Mtetwa vati Zimbabwe neSoutu Africa inyika dzakanyorerana chibvumirano chekuti vasungwa vanenge vachidiwa munyika mbiri idzi vanogona kusungwa vodzoswa kuzotongwa kana kuti extradition treaty. Vatiwo kunyange zvikanzi muZimbabwe munana mazvikokota vanokwanisa kuvarapa, Muzvare Mubaiwa vanekodzero dzekurapwa nachiremba wavanoda uye vati chiremba wekuSouth Africa uyu ndiye aivarapa vasati vambosungwa.

Vatiwo murume wavo VaConstantino Chiwenga vari kunze kwenyika uko kwavari kurapwa nanachiremba vavanoda saka nokudaro Muzvare Mubaiwa vanofanira kupihwa mukana wekuti varapwewo kwavanoda kuitira kuti vagozokwanisa kumira pamberi pedare vakasimba pachatanga kutongwa nyaya yavo musi waNdira 28 gore rinouya.

Mushure mekunzwa mativi ose, VaChikowero vati vanoda nguva yekuongorora zvasvitswa kwavari mudare vasati vatura mutongo wavo muzuva ravasina kutara. Amai Mtetwa vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

Muzvare Mubaiwa varikupomerwa mhosv yekuda kuuraya VaChiwenga pavaive mune chimwe chipatara chekuSouth Africa asi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG