Accessibility links

Breaking News

Hurumende Youdzwa Kuti Iri Kutadza Kupa Dzidziso Yakakwana yeCoronavirus


ZBC

Masangano akazvimirira anoti rePlatform for Youth Development nerinoongorora nyaya dzesarudzo kunyanya reZimbabwe Election Support Network, ZESN, anoti vehurumende nevenhepfenyuro yeZBC vari kukundikana kupa vanhu dzidziso yehutachiona hwe coronavirus uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19, mumitauro yakasiyana siyana sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

ZBC nemakurukota ehurumende ane chitsama vakatomboendeswa kumatare nemasangano anomirira vakaremera ikavimbisa kugadzirisa zvimwe zvichemo asi ichiti haina mari yekuita zvimwe zvirongwa.

Mumashoko kuvatori venhau, ZESN yati hapana mashoko akakwa ekushambadzira nezvechirwere ichi akakwana kubva kuhurumende, masangano akazvimirira uye makereke.

ZESN yatiwo vakaremara havasi kupihwa kodzero yekuwana mashoko sezviri mubumbiro remitemo yenyika.

Mukuru wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vari kuitisa dzidziso iyi kumaruwa sezvo vanhu vakawanda vasina ruzivo rwezvedambudziko re coronavirus iyo yapfugamisa pasi rose.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, sezvo vange vasiri kudaira nharembosha yavo.

Hurukuro naVaClaris Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG