Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopa Masoja Chete Mari yeKubatsirikana Vamwe


Hurumende inonzi yakawedzera mauto mari yekubatsirikana inosvika mazana mana emadhora emaRTGS pamunhu apo vakatambira nemusi weChipiri kunyange hazvo vamwe vashandi vose vehurumende vasiri kupihwa mari iyi.

Hurumende inoti iri kuda kuwedzera vamwe vashandi vayo vanosanganisira varairidzi, vanachiremba navanamukoti mari iri pakati pemakumi mapfumbamwe nemasere nezana nemadhora mana yemaRTGS.

Mutauriri weZimbabwe National Army, Lieutenant colonel Alphios Makotore, vaudza Studio7 kuti havataure nezvenyaya idzi vakati titaure nevekubazi rezvekudzivirirwa kwenyika.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri Kashiri; gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, pamwe negurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, sezvo vose vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Pamusangano waitwa neChitatu pakati pevashandi vemuzvipatara nehurumende, we Bipartite Negotiating Panel, uyo une nhengo dzebazi rezvemari, hutano, Health Services Board nevashandi vemuzvipatara, vamiriri vehurumende vati havana ruzivo rwekuti sei mauto chete akapihwa mari yekubatsirikana.

Munyori werimwe sangano rinomirira vashandi vehurumende, reAPEX Council, VaDavid Dzatsunga, vati vashandi vanoti kuti zvinhu zvivafambire mushandi wepasi pasi, anofanira knge achipihwa mari inosvika zviuru zvina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG