Accessibility links

Breaking News

Mitemo yeMabhizinesi Munyika Yorerutsirwa veKunze


Mukuedza kukwezva vemabhizimusi vekunze kwenyika, gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, vanonzi vakavimbisa kuti makambani ekunze anenge apinda munyika, anokwanisa kuchengeta zvikamu zvinosvika kuzana kubva muzana zvemasheya ekambani, zvichibvira kuti vanenge vakanangana nekuita bhizimusi ripi.

Bepanhau repaInternet reXinhua rekuChina rinoti VaMangoma vakati Zimbabwe inyika yakasununguka zvekuti vemabhizimusi vekunze havachamanikidzwe nemutemo kuti vabatane nezvizvarwa zvemuZimbabwe mukutanga mabjizinesi aya.

Mutemo wekupa hupfumi kuvatema weIndigenisation and Economic Empowerment Act, uyo wakadzikwa mugore ra2008, unoti makambani ekunze anenge abatana nemakambani emunyika, anowana zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana, kwotiwo makambani emunyika, owana zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana.

Asi mashoko aVaMangoma anoratidza kuti hurumende yava kudududza pamitemo yayakatara senzira yekukwezva mabhinesi ekunze kuti adyare mari dzawo munyika.

Hatina kukwanisa kubata VaMangoma panyaya iyi kuti vanyatsotsanangudza kuti zvinhu zvichafamba seyi. Asi nyanzvi munyaya dzeupfumi uye vari Executive Director weEMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti mashoko aVaMangoma anoumba nyika.

VaMufukare vanoti chinhu chakanaka kuti hurumende inyevenudze mitemo yayo kuitira kuti vanhu vekunze kwenyika, vaite chamuramba mhuru vachiuya kuzodyara mari dzavo munyika.

Zimbabwe yakatarisana nenguva yakaoma munyaya dzehupfumi zvichitevera kuondomoka kwakaita hupfumi apo Zanu PF yakanga ichitonga yega muhurumende yapfuura.

Nepamusana pemitemo inoomesera vemabhizinesi, Zimbabwe yakaona makambani akawanda achivharwa, vanhu vachirasikirwa nemabasa, izvo zvkapa kuti nyika igwadame.

Asi hurumende yemubatanidzwa iri kuedza kugadzirisa zvose zvakanga zvaondomoka, kuitira kuti Zimbabwe idzokere pamakore ekare apo zvinhu zvaifamba zvakanaka munyaya dzehupfumi.

XS
SM
MD
LG