Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuvandudza Maguta Akaita seHarare Kwete Kuvaka Guta kuMt Hampden


VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina VaXi Jinping.

Rimwe sangano rinoona nezvekugariswa kwevanhu mumadhorobha nemaruwa reIntegrated Planners Network kana kuti IPN rinoti hurongwa hwehurumende hwekuvaka guta idzva kuMt Hampden hauna zvakawanda zvahunobatsira munyaya dzebudiriro.

Hurumende ichibatsirwa nehurumende yeChina yakazivisa kuti yave kuvaka dare reparamende idzva richange rakakomberedzwa nedzimba nemamwe mahofisi ehurumende pototangwa guta idzva kuMt Hampden.

China yakati ichabatsira Zimbabwe nemari inosvika mamiriyoni zana, Zimbabwee yowedzera mamwe mamiriyoni gumi.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano re IPN VaTungamirai Fambirai vaudza Studio 7 kuti chinodiwa kugadzirisa maguta akaita seHarare pane kutanga kuvaka mamwe. Vatiwo zviri kuda kuitwa kuMt Hampden zvakangofanana nezviri kuitwa muHarare.

Vati hurumende yaifanira kunge yakavaka guta rine chekuita nemaindastiri kuti vanhu vawane mabasa.

Hurkuro naVaTungamirai Fambirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG