Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuti Ingorore Mafambisirwo eMari yeAgritex Sezvo Vamwe vashandi vasina Kutambira


Rimwe sangano rinomirira vashandi vari pasi pebazi rezvekurima, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association, (ZAPTA), rinoti nhengo dzaro hadzisati dzapiwa mari mushure mekupedza basa muna Kubvumbi.

Munyori mukuru wesangano iri, VaZivaishe Zhou, vanoti hofisi huru yebazi reAGRITEX inoti mari iyi yakaendeswa kumatunhu nekumawadhi asi hapana ari kunyatsotsanangura kuti yakashanda sei sezvo vashandi vasina kubhadharwa.

VaZhou vanoti mari iyi yange iri yevashandi vakaita ongoro yezvirimwa nezvipfuyo kana kuti Crop and Livestock Assessment yechipiri.

Vanoti chinonetsa ndechekuti hurumende inovaudza kuti mari yakaendeswa kumatunhu nekumawadhi asi vashandi havasi kuwana mari iyi. VaZhou vanoti hurumende inofanirwa kupindira panyaya iyi sezvo vashandi vazhinji vasina kupiwa mari yavo uye pave nekufungira kuti mari iyi haina kushandiswa zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru weAGRITEX, VaStancilae Tapererwa, vanoti sekuziva kwavo mari iyi yakaendeswa kumatunhu, vachiti kana pane dunhu risina kuwana mari iyi, vanoda kuziviswa nekukurumidza kuti vaongorore nyaya iyi zvakadzama. VaTapererwa vati basa ravo nderekuona kuti vashandi vawana mari yavo kuti vaite basa nemazvo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG