Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuita Musanano weTNF Apo Nyika Yotatarika Kurwisa Denda reCovid-19


Muzvinafundo Paul Mavhima
Muzvinafundo Paul Mavhima

Masangano evashandi nevashandirwi anoti zvakakosha kuti vaite nhaurirano nehurumende nechimbi chimbi mugungano reTripartite Negotiations kuyedza kuzeya matambudziko avari kusangana navo owedzerwa nedenda reCovid-19.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ Dr Israel Murefu vanoti zvakakosha kuita musangano nekuti wave nenguva usina kuitwa kunyangwe nyika yatarisana nedambudziko guru rechirwere cheCovid-19.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vanoti kusawirirana panyaya dzekuzeya ndiyo yapa kuti musangano weTNF imbomira. VaMoyo vanoti hurumende haisi kuda kuzvipira kugadzirisa nhuna dzevashandi zvikuru nyaya yemari dzavanotambiriswa,

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende yakazvipira kuita nhaurirano idzi vachiti vakamirira mari kubva kubazi rezvemari nesangano reInternational Labor Organization kuti vaparure hofisi ichange yakamirira kuita basa reTNF. chete.

Nechinangwa chekuda kukurudzira nhaurirano pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende, Zimbabwe yakadzika mutemo weTNF Act mu 2019.

Asi sedzimwe nyika dzepasirino, Zimbabwe yatarisana nedambudziko guru munyaya dzekugadzirisa hupfumi sezvo chirwere cheCovid-19 chotadzisa vakawanda kuenda kumabasa. Vanhu vari kukurudzirwa nehurumende kuti vagare mudzimba senzira yekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG