Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kubatsira Munguva yeCovid-19 neMari Yakasara Mubhajeti yeRTG's 9,8 Billion


VaMthuli Ncube kurudyi
VaMthuli Ncube kurudyi

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti ibatsire vanhu vave kuda kunonga svosve nemuromo nekuda kwekurudziro yekuti vagare mudzimba nekuda kwekupararira zvinotyisa kwoita chirwere cheCovid-19.

Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti hurumende ine mari inodarika mabhiriyoni mapfumbamwe nezviuru mazana masere kana kuti 9,8 billion parutivi kana kuti budget surplus zvakonzerwa nekugona kwayo kushandisa mari zvine mwero.

Munyori mukuru wesangano revanotengesa mumigwagwa reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations, VaWisborn Malaya, vanoti vanozviitira mabasa emaoko vari kunetseka uye vanoda rubatsiro. Vati sesangano vari kuyedzawo kubatsira vanhu asi zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

VaMalaya vati hapana hurongwa huripo kubva kuhurumende.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemagariro evanhu, Muzvinafundo Paul Mavima, sesvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti ishandise mari iyi kubatsira vanhu vemuZimbabwe vasiri kukwanisa kuenda kumabasa panguva iyo vamwe vemabhizimisi vave kukwidza mitengo yezvinhu muzvitoro uye kuwedzera mari dzemba nedzekufambisa.

Mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Godfrey Kanyenze, vati vanhu vanoda rubatsiro.

Vati izvi zvinokwanisa kuitwa muhurukuro dzeTrripartite Negotiating Forum dzinounza pamwe chete hurumende, vashandi nevashandirwi.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti zvakakosha kuti hurumende iite muonero wetwiza vachiti chikuru chinoda kuitwa kuti patengwe nhomba dzakawanda dzekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuti vanhu vazokwanise kudzokera kumabasa.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti mhando yechirwere cheCovid-19 yopararira munyika iko zvino yeDelta variant inotapuriranwa zviri nyore uye iri kuuraya vanhu vakawandidsa kudarika dzimwe mhando dzose.

Mabhanga anokweretesa mari nyika dzepasi rino akaita seWorld Bank neInternational Monetary Fund anoti hupfumi hwenyika dzepasi rino huri kukanganiswa zvakanyanya nechirwere cheCovid-19.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti ibatsire vanhu vave kuda kunonga svosve nemuromo nekuda kwekurudziro yekuti vagare mudzimba nekuda kwekupararira zvinotyisa kwoita chirwere cheCovid-19.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG