Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokuridzira Vabereki Kuti Vabaise Nhomba Vana Vechidiki Vari Pasi Pemakore Mashanu


Hurumende, kuburikidza nebazi rezvehutano, iri kutanga neMuvhuro chirongwa chekubaya nhomba vana vadiki vari pasi pemakore mashanu munyika yose kuitira kuti vasabatwe nezvirwere.

Chirongwa ichi chichange chichiitwa kwesvondo rose. Bazi iri rinoti vanhu vanofanirwa kuenda kumakiriniki ari pedyo navo vachinobayisa vana vavo nhomba pasina mari yavanonzi vabhadhare.

Hurumende inoti inoda kubaya nhomba vana vanosvika miriyoni imwe chete nemazana mapfumbamwe ezviuru kuitira kuti vadzivirirwe kuzvirwere zvinobata vana vari pasi pemakore mashanu.

Mukuru wezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rezvehutano, Amai Portia Manangazira, vanoti hurumende iri kuda kudzivirira vana vadiki kuzvirwere zvakaita segwirikwiti nemheta makumbo.

Amai Manangazira vanoti hurumende ichange ichishanda nemakiriniki nezvipatara zviri mumatunhu akasiyana kuitira kuti vana vechidiki vari pasi pemakore mashanu vese vawane mukana wekubaiwa nhomba.

Hurumbende inoti haisi kuda kudzokorora dambudziko rakambotarisana nenyika muna 2009 apo vana vazhinji vadiki vakarasikirwa nehupenyu zvichitevera kusabaiwa nhomba.

XS
SM
MD
LG