Komiti yeparamende inoona nezvehutano nekuchengetwa kwevana yakazvionera pamhuno sefodya kurarama kwakaoma kuri kuita vanorwara nepfungwa muChinhoyi.
Vachitaura kukomiti iyi nezuro mukuru wemuwadhi inochengetwa vanorwara nepfungwa Amai Meggis Chisango vakataurira komiti iyi kuti vari kusangana nematambudziko akawanda anosanganisira kushaikwa kwemishonga, zvekudya, nhumbi dzekupfeka nemagumbeze.
Amai Chisango vakati varwere gumi nevatatu vari kurara pamibhedha isina mamatiresi. Vakatiwo vashandi vanoshanda muwadhi umu vashoma zvikuru sezvinotarisirwa, parizvino pane gumi asi vanotarisirwa kuve nemakumi maviri nevashanu.
Amai Chisango vanoti dambudziko guru kusachengetedzwa kwanamukoti kuvarwere vepfungwa sezvo vachikwanisa kungoita mhirizhonga nguva dzisingatarisirwe. Parizvino vanoti havasikuchengetedzwa uye magonhi emunochengeterwa varwere vepfungwa akawanda haachashanda.
Izvi zvakabatabata mukuru wekomiti iyi Amai Goodlucky Kwaramba avo vakati vachaendesa nyaya yekuipa kwezvinhu muwadhi yevanorwara nepfungwa kuparamende nekukurumidza
Vaimbova gurukota rezvehutano munguva yehurumende yemubatanidzwa Dr Henry Madzorere vatenda kuti mari dzebhajeti dziri kupihwa bazi rezvehutano hadzisi kukwana.
Dr Madzorere vatiwo vanhu vakawanda munyika vave kurwara nezvirwere zvepfungwa nenyaya yekusamira zvakanaka kwehupfumi.
Muhuruko yavakamboita neStudio 7, Doctor Sekai Nhiwatiwa, vanove nyanzvi yezvirwere zvepfungwa vachishanda nechipatara cheParirenyatwa vanoti vamwe vanorwara nezvirwere zvepfungwa vanoguma vazviuraya kana vakasawana rubatsiro.
Zvichakadaro, Amai Kwaramba vanoti zvinoshamisa kuti pachipatara chemuChinhoyi hapana mvura pamwe nemafuta edzimotokari.
Zvinonziwo hama dzevanhu vanenge varapwa muwadhi umu havasi kuuya kuzotora hama dzavo zvekuti pane varwere vashanu vapora asi vasati vatorwa.
Izvi zvakatsigirwa nemumwe murwere anoti akanzi aende kumba svondo rapera asi hama dzake hadzisati dzauya kuzomutora.
Nyaya yekudzimwa kwemagetsi inonzi inoita kuti vamwe varwere varare vachitonhorwa vasina hembe sezvo vachityirwa kuti vanozvisungirira apo vanenge vari mumipanda yakatsaurwa.
Vamwe varwere vari pachipatara chemuChinhoyi vanobva kunzvimbo dziri kure dzakaita seMutoko, Chivhu neMasvingo.
Facebook Forum