Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokundikana Kugara Dare Kutonga Vakoti Vayakamisa Basa


Hurumende, iyo yange yadaidza neChina chikwata chekutanga chevakoti pachipatara cheUBH kuBulawayo kuti chimire pamberi pedare, kana kuti tribunal, vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wevashandi, yati nyaya iyi yave kuzonzwikwa svondo rinouya sezvo pane zvimwe zvanzi zvichiri kuda kuitwa.

Dare remakurukota rakati rine hurongwa hwekuranga vakoti churu nezana nemakumi maviri nevasere vari kuti havana kwanise kushanda kwemazuva mashanu nekuti havana mari.

Mukuru wechipatara cheUBH, Dr Narcisius Dzvanga, mutsamba yavakatumira vakoti vakamiswa basa musi wa 30 Gumiguru, vakati vakatyora mutemo we Labour (National Employment Code of Conduct) Regulations, Statutory Instrument 15 of 2006 nekuti vakange vaudzwa kuti vashande mazuva mashanu vakatsika madziro.

Vakoti ava vakanzi vasauye kubasa sezvo vachigona kuvhiringidza zvapupu zvisina kudomwa.

Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaJabulani Mhlanga naMuzvare Prisca Dube, ndivo vari kumirira vakoti ava.

Hatina kukwanisa kubata munyori mubazi rezvehutano, Air Commodore Jasper Chimedza, vanzi vange vari mumusangano asi vakaudza dare reparamende svondo rino kuti bazi ravo riri kupihwa mari yebhajeti shoma zvave kuri kanganisa kuita mabasa.

Asi mutungamiri weZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vanoti hurumende iri kumbunyikidza kodzero dzevashandi.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG