Hurumende yadaidzira musangano pakati pebazi rezvedzidzo nevarairidzi nemusi weMuvhuro zvikoro zvisati zvavhurwa nemusi weChipiri.
Mapazi ehurumende anoti edzidzo, mari, uye rinoona nezvemabasa nevashandi, ari kutarisirwa kunge ari pamumusangano uyu.
Masangano anomiririra varairidzi ese ari munyika ari kutarisirwawo kutumira nhumwa dzawo kunhaurirano idzi.
Bazi rezvedzidzo rakaita musangano nevarairidzi neChishanu, asi sangano re Amalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rakaudza Studio7 kuti hapana zvine musoro zvakabuda kubva mumusangano uyu.
Mutungamiri we Progressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti kana pasina kuwirirana kuchaitwa nemusi weMuvhuro, varairidzi havazi kudzokera kumabasa.
Izvi zviri kuitika vezvikoro vachinziwo vakakwidza mari dzechikoro ukuwo vemabhizinesi vachikwidzawo mitengo yezvinhu, kusanganisira mabhuku nemaunifomu.
Studio7 haina kukwanisa kubata hurumende kuti tinzwe divi rayo panyaya iyi.
Varairidzi vave nenguva yakareba vachichema nerekuti hurumende haisi kunzwa zvinyunyuto zvavo zvavari kuda kuti zvigadziriswe kuitira kuti vagone kudzokera kumabasa.
Masangano anomirira vashandi vemamwe mapazi ehurumende vari kutiwo vanogona kubatana nevarairidzi mukukanda mapadza pasi kana hurumende ikaenderera mberi nekusagadzirisa nyaya dzevarairidzi.
Facebook Forum