Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozeya neVashandi Nyaya dzeMihoro neMusi weChipiri


Amai Sakai Nzenza
Amai Sakai Nzenza

Kanzuru inounza pamwe chete hurumende nevashandi vayo kuti vazeye nyaya dzemihoro nemashandiro avo yeNational Joint Negotiating Council yave kusangana nemusi weChipiri svondo rinouya kuzeya nyaya dzemihoro.

Vashandi vehurumende vanodarika zviuru mazana mashanu vari kuchema chema kuti mari dzavo hadzichatenga chinhu nekuda kwekukwira zvakanyanya kwemitengo zvopa kuti vanonge svosve nemuromo.

Gurukota rinoona nezvevashandi, Doctor Sekai Nzenza, vakaudza Studio7 svondo rapera kuti vainge vatenda kuti paitwe musangano uyu kuyedza kugadzirisa zvinyunyuto zvevashandi. Izvi zvakatevera chikumbiro chevashandi chekuti vataurirane.

Asi vachitaura neStudio7 mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti musangano uyu hauna chaunoburitsa.

VaZhou vanoti hurumende yaimbenge yavimbisa kuti ichawedera mari mukutanga kwemwedzi uno asi chabuda hapana.

VaZhou vatiwo hurumende iri kukundikana kugadzirisa zvimwe zvisingadi mari zvayakambovimbisa zvinosanganisira kupa vashandi nzvimbo dzekuvakira dzimba uye kutenga motokari vasingabhadhare mutero.

Vatiwo varairidzi vari kushanda vasina kuzvipira nenyaya yemari shoma yavari kutambiriswa.

Munyori wesangano reAPEX Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti vashandi vari kutarisira kusangana neMuvhuro kuti vaite chisungo chmwe chete vasati vasati vaita hurukuro nehurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG