Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yogadzirisa Bhajeti Asi Vashandi Vachiti Vari Kuyaura


Boreholes and Water Situation Zimbabwe No Water

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende yavo yakwanisa kugadzirisa nyaya yebhajeti kuti hurumende isashandise mari yakawandisa mukubhadhara vashandi asi mukusimudzira nyaya yezvivakwa nezvimwe.

VaMnanagwa vakataura mashoko aya neMugovera pamusangano webato ravo mudunhu reMidlands.

Ko izvi ndizvo here zvavakwanisa kuita kana kuti muromo hauzarirwe hawo nerwizi.

VaMnangagwa vakati mukati memwedzi gumi nesere, vakwanisa kudzikisa mari inoshandiswa nehurumende kubhadhara vashandi nezvikamu makumi mana kubva muzana, kana kuti 40%.

Vanoti kare, hurumende yaishandisa mari inosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana kana kuti 90% kubhdhara vashandi uye zvikamu zvitanhatu kubva muzana kana kuti 6% kuzvivakwa nemamwe mabasa ebudiriro.

Asi vanoti ikozvino hurumende yave kushandisa zvikamu zvakaenzana mukubhadhara vashandi nemumabasa ebudiriro.

Mashoko aVaMnangagwa akambotaurwawo negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, asi panguva iyi vakawanda vakangoti vainge vakangosimbira kumuromo sepinjisi.

Pakugadziisa bhajeti, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvakanaka asi hurumende haifanire kuregedza kubatsira varombo kuburikidza nenyaya dzezvehutano uye zvikoro.

Asi nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, uye vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti hurumende iri mugwara uye yakwanisa kusiya mari yekugadzira zvakaita semugwagwa weHarare-Beitbridge, kuwanisa vanhu hupfu nemutengo wakaderera uye kuti vakwire bhazi reZupco nemutengo wepasi.

Mutungamiri wesangano revarairidzi reZimta, VaRichard Gundani, vanoti zvakanaka kugadzira bhajeti asi kumushandi, wakagarika ngewakafa mupenyu pfumo riri mushure. Vanoti vashandi vari kutambiriswa mari isiri kuvakwanira.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti zviri kutaurwa nehurumende ichokwadi asi kunogona kunge kuri zvekare kupedza zuva kuveza demo nechinangwa chekuda kutema mubhanana.

Pasi rose Zimbabwe iri pachidanho chechipiri kubva kuVenezuela munyaya dzekukwira kwemitemgo yezvinhu kana kuti inflation.

Hurumende inoti kusagadzikana kwehupfumi kuri kukonzerwa nezvirango zvakatemerwa nyika.

Asi vanopikisa vanoti huori nekutonga nedemo ndizvo zvapinza nyika muna taisireva.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG