Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yofuvisa Masangano Akazvimirira muHarare


Kembo Mohadi
Kembo Mohadi

Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika kunyange hazvo kuratidzira kwange kuchinzi kungangoitwa muHarare nemamwe maguta, kusina kuzoitika neChipiri.

Vanhu vange vachitaura paFacebook neTwitter pa internet kuti vanoda kutanga kuratidzira neChipiri senzira yekuratidza kusafara kwavo nehutongi hwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uho vanoti ndehwehudzvinyiriri.

Mapurisa nemauto ane zvombo zvehondo akazara mumigwagwa. Mapurisa aya nevasori ange achitendererawo mumahofisi emasangano akazvimirira oga, uye aendawo kuhofisi yeCrisis in Zimbabwe Coalition, achibvunzurudza vashandi vesangano iri pamusoro pekuratidzirwa kuri kunzi kuri kuda kuitwa munyika.

Hurumende yakatosunga kare vamwe vanhu makumi mana nevana vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende. Asi United Nations iri kushora zvikuru kusungwa kwevanhu ava uye kumbunyikidzwa kuri kuitwa vanhu.

UN High Commissioner for Human Rights, Amai Navi Pillay, vati sangano ravo harisi kufara nekusungwa nekutotchwa kuri kuitwa vanhu vanopikisa Zanu-PF.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti kumahofisi kwamboshanyirwa nemapurisa.

Rimwe remakurukota ezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, vanotiwo hapana anorambidzwa kuratidzira, vachiti vanhu havafanirwe kufurirwa nevari kunze kwenyika kunzi varatidzire munyika.

XS
SM
MD
LG