Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodzosa Nhabvu neMimwe Mitambo


Dynamos neHighlanders

Hurumende nemusi weMuvhuro yakatendera kudzoka munhandare kwemitambo inosanganisira nhabvu iyo yaive yambomiswa kuchityirwa kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Vanotungamira mitambo munyika VeSports and Recreation Commission (SRC) vazivisa kuti nhabvu nemimwe mitambo yakaita setsiva, netball, weightlifting, judo, ne basketball yave kuzotambwa zvichitevera kudzikira kwaita kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Sachigaro weSRC VaGerald Mlotshwa vanoti vatora danho iri zvichitevera musangano wavakaita neChishanu negurukota rezvemitambo Muzvare Kirsty Coventry. Mumiriri weWorld Africa Boxing Association muZimbabwe VaGilbert Munetsi vanoti zvinofadza kuti tsiva yave kudzoka kuruzhinji.

Kunze kwenhabvu netsiva, mimwe mitambo yatenderwa kudzoka munhandare ikarate, taekwondo, handball, wushu, hockey me tug-of- war.

VeSRC vatenderawo zvekare vegymnastics, baseball,pool, rugby, netball bodybuilding kuti vadzoke mukukwikwidza.

Asi mitambo iyi yapihwa kusvika nemusi we China kuti iratidze kuti ine mari yakakwana yekukwanisa kudzokera munhandare panguva ino yeCovid 19.

Gwaro rabva kuSRC rinoti sangano iri ratotumira kune vemitambo mitemo yavanofanira kutevedza iyo vanofanira kuwirirana nayo musi weChina usati wadarika.

Mutsigiri wechikwata cheHighlanders VaBrighton Munyuki vanoti vanga vagarisa vasati vaona Bosso ichitamba vachiwedzera ivo kuti vari kutarisira kutora mukombe weligi mwaka uno.

Mumwe mutsigiri wemutambo uyu VaBatsirai Bepete vanoti vave kuwana kwekuno tandarira.

Asi VaBepete nevamwe vavo vachambomira kuona zvikwata zvavo zvichitamba zvichitevera chisungo chakatorwa neveConfederation of African Football neChishanu kuti mitambo yese muAfrica haifanire kupinda vatsigiri.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG