Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoburitsa Bhiri reKuvandudza Chimwe Chikamu cheAIPPA


VaNick Mangwana
VaNick Mangwana

Hurumende nhasi yaburitswa mugwaro rayo kana kuti Government Gazette rebhiri reMedia Information Bill rekuvandudza chimwe chikamu chemutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act.

Chikamu chiri kuvandudzwa ndechechikamu chegumi kana kuti Section 10:27 kuti chienderane nechikamu chechimakumi matanhatu nembiri kana kuti section 62 chebumbiro remutemo.

Chikamu chiri kuvandudzwa ichi chakanangana nekuti vatori venhau vangawane sei mashoko kubva kumapazi ehurumende nemakambani ayo.

Munyori mukuru wezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti bhiri iri rinoratidza pachena kuti hurumende yakazvipira kuvandudza mitemo yange ichinzi inodzosera kumashure hutongi hwejekerere nemashandiro evatori venhau.

Vati mapazi ehurumende anenge ave nemushandi anenge achishanda nevatori venhau kuvapa zvavanenge vachida zvakakoshera ruzhinji.

Asi vamwe vatori venhau vanoti bhiri itsva iri harina kunyanya kusiyana nemutemo weAIPPA. VaMangwana vanoti izvi ndezvemugotsi matsuro.

Gweta vari nyanzvi munyaya dzemitemo yekuburitswa kwenhau VaChris Mhike vanoti pachine zvakawanda zvinoda kugadziriswa.

Mumwe mutori wenhau anemukurumbira zvikuru vari mupepeti mukuru weZimFact VaChris Chinaka vanoti iri idanho rekutanga asi rwendo rwurefu. Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri weMedia Monitors Zimbabwe Muzvare Patience Zirima.

Vatori venhau nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti mitemo yeZimbabwe yakaita seAIPA nePOSA haina kusiyana zvakanyanya nemitemo yaishandiswa nehurumende yeRhodesia yakaita seLaw and Order Maintenance Act, Official Secrets Act, Emergence Powers Act, Censorship of Publications Order of 1965.

Asi hurumende inoti iri kuyedza kuvandudza zvinhu uye hurumende inofanirawo kuona kut vatori venhau havafukure hapwa zvinokanganisa nyika sematauriro aVaMangwana.

Mutemo uyu uchaendeswa kuvanhu wozodzoswa kudare reparamende mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti uve mutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG