Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobatsira Kuviga veChechi yePositori Vakanyura Murwizi Mazowe kuRushinga


Nhengo dzekereke yeNguwo Tsvuku kana kuti Jerusalem Church dzakanyura dzichiyedza kutora tsvimbo yekutungamira murwizi rweMazowe kuRushinga neMugovera dzakatanga kuradzikwa neMuvhuro zvichitevera rubatsiro rwakabva kuhurumende.

Mukuru anoona nezvebudiriro mudunhu reMashonaland Central VaTimothy Maregere vanoti hurumende yabatsira nemabhokisi ekuviga vafi, motokari dzekutakura mitumbi nezvekudya.

VaMaregere vanoti maposotori akapinda mudziva anga vari gumi asi vamwe vaviri vakapukunyuka.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland Central Inspector Milton Mundembe yavambira vanhu kuti vasapinde murwizi panzvimbo dzavasingaone madzikiro apanenge pakaita.

Zvichakadaro muneimwewo nyaya vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti havasi kufara nemari yemunyika inoita madhora mazana maviri nemakumi mashanu kana kuti ZWL$250 pazuva iri kunzi ibhadharwe nevanhu vanenge vachitengesa zvinhu mumigwagwa.

VaDenis Nyamutswa vanoti sezvo vakakanganiswa mabhizinisi avo nekuvharwa kwenyika nguva dzakawanda nekuda kwekurwisa chirwere cheCovid-19 dai kanzuru yambomisa kukwidzwa kwemari dzemitero zvichitevera kupedzwa kwebhajeti reguta iri.

Asi mumwe mugari wemumusha unogara veruzhinji weHunyani Amai Regai Makanya vanoti vafara nebhajeti sezvo nyaya dzemvura dzapihwa mari yakawanda mubhajeti.

Bhajeti reChinhoyi remugore ra2022 riri kusvika mamiriyoni mazana matanhatu ZWL$600 000 uye nyaya dzemvura nekutakurwa kwemarara dzakapihwa madhora anosvika mamiriyoni mazana matatu kana kuti ZWL$300 000.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG