Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Vopesana neVamwe Vavo paNyaya yeKodzero dzeVanhu


Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti Zimbabwe haisi kuzoisa runyoro rwayo pachibvumirano chedare rinotonga vanoponda kana kudzvinyirira vanhu reInternational Criminal Court, kana kuti ICC, iro riri pasi pesangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose, United Nations.

Vachitaura neZBC, VaChinamasa vanoti dare iri rave kushandiswa nenyika dzine mhasuru mukutonga vatungamiri venyika dzevarombo asi dzichisiya vanhu vakaita saVaTony Blair, avo vaimbotungamira Britain, naVaGeorge Bush, avo vaimbotungamira America, avo vavanoti vakapara mhosva kuIraq neAfghanistan.

VaChinamasa vange vari kumusangano we United Nations wakaitwa kuGeneva mwedzi wapera waiongorora nyaya dzekodzero dzevanhu munyika.

United Nations yakakurudzira Zimbabwe kuti itarise mitemo yakaita seAIPPA, POSA uye kodzero dzengochani nezvimwe.

South Africa yakatiwo Zimbabwe ngaiongororewo nyaya yemhirizhonga yakaitwa muna 2008 panguva yesarudzo.

VaChinamasa vanoti pane zvavakanzi vaite zana nemakumi manomwe, vakatambira makumi manomwe nechimwe chete.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaChinamasa kana mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, avo vanzi vari mumusangano.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zviri kutaurwa naVaChinamasa hazvina nematuro ose uye mashoko avo anomirira zvido zvebato ravo kwete zvehurumende yemubatanidzwa.

Vanotungamira chimwe chikwata cheMDC, VaWelshman Ncube, vanoti VaChinamasa havasati vapira nyaya yavo kudare remakurukota.

Gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbahwe Chimbgwa, vanoti VaChinamasa vari kuhwanda nemumwe uye vanofanirwa kuchengetedza kodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG