Hurumende yakabvisa vana muzvinabhizinesi vatatu svondo rapera pavanhu vanga vachinzi nemutemo havafanire kuita zvemabhizinesi muZimbabwe.
Vanhu ava ndiva Mutumwa Mawere, vaJames Makamba, pamwe nava John Moxon. Varume ava vanga vachipomerwa mhosva yekuburitsa mari munyika zvisiri pamutemo.
Mumwe wevanhu ava, vaMawere, vanoti vava kuendesa hurumende kumatare edzimhosva kuitira kuti vadzoserwe makambani avo. Gibbs Dube weStudio7 aita hurukuro nava Mawere kuti tinzwe pfungwa dzavo.