Accessibility links

Breaking News

Kutamiswa kweVanhu kwaChiadzwa Koita Mutauro


Hurumende pamwe nevagari vekwaChiadzwa vanonzi vakaumba komiti ichatungamira hurongwa hwekugariswa patsva kwemhuri dziri muminda yemangoda yekwaChiadzwa kwaMarange mudunhu reManicaland.

Asi mumiriri weMutare West mudare reparamende, VaShuah Mudiwa, vanoti havana ruzivo nezvehurongwa uhu, kunze kwekungoita zvekuverengawo mumapepanhau.

Sangano renhau reZiana rinoti mutewedzeri wegurukota rezvemigodhi, VaGift Chimanikire, vakati hutungamiri hwenzvimbo iyi hwakanga hwatambira kuvapo kwekomiti iyi.

Mhuri gumi nembiri dzakatotamiswa kubva kwaChiadzwa dzichinogariswa kupurazi reArda Transau riri kuOdzi. Asi dzimwe mhuri makumi mana neina dzinonzi dziri kuramba kubva pamisha yadzo kudzamara dzatanga dzapiwa miripo yezvinhu zvadzo.

Mhuri dzinodarika zviuru zvina dzinonzi dziri kutarisirwa kuzobviswa mudunhu iri kuitira kupa mukana wekuti mangoda acherwe zvakanaka.

VaMudiwa vanoti zvavari kunzwa kumakanzura emudunhu iri ndezvekuti hurumende iri kushara vatsigiri veZanu PF ichisiya vatsigiri veMDC muhurongwa uhu.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaChimanikire kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG