Masangano anorwira kodzero dzevanhu ari muSouth Africa asangana nevamiriri vehurumende yenyika iyi kuti vakurukure nezvehurongwa hweSouth Africa hwekuda kuti zvizvarwa zvose zveZimbabwe zviri munyika iyi, zvinge zviine magwaro anozvibvumidza kugara munyika iyi zviri pamutemo.
Hurumende yeSouth Africa yakazivisa kuti zvizvarwa zvose zveZimbabwe zvinge zvagadzirisa magwaro azvo panopera gore rino, kuitira kuti zvikwanise kuzoramba zviri munyika iyi zviri pamutemo.
Mamwe mashoko anoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinosungirwa kudzokera kumusha kuitira kuti zvigadzirise mapepa azvo, zvisati zvaedza kugadzirisa magwaro emuSouth Africa.
Asi hurumende yeSouth Africa iri kuramba mashoko aya, ichiti pane hurongwa hwayakaita neZimbabwe hwekuti danho iri riitirwe muSouth Africa.
Mumwe wemakurukota ezvemukati menyika, Amai Theresa Makone, vaudza Studio7 kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinokwanisa kungoenda kumuzinda weZimbabwe muSouth Africa zvichigadzirisirwa magwaro azvo.
Mutungamiri weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, avo vapinda musangano waitwa muSouth Africa, vaudzawo Studio7 kuti vanotarisira kuti veSouth Africa vanzwawo zvichemo zvavasvitsa.
Amai Makone: Hurumende Ichabatsira Vari muSouth Africa Kuti Vawane Magwaro
- Jonga Kandemiiri