Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yagadzirira Musangano weKimberly Process


Hurumende inoti yakagadzirira kuenda kumusangano weKimberly Process uri kuitwa mwedzi unouya ku Israel.

Musangano uyu uchange uchikurukura nyaya dzemafambisirwo emangoda pasi rose, kunyanya mangoda ekwaMarange.

Gurukota rezvemigodhi, Va Obert Mpofu, vaudza bepanhau re Herald kuti America iri kutungamirira hurongwa hwekuti KP irambidze Zimbabwe kutengesa mangoda ayo kumusangano uyu.

Ukuwo hurumende iri kuti iri kuda kusungisa kambani yeAfrican Consolidated Resources, kana kuti ACR, mushure memutongo wedare wakati kambani iyi haina kutaura pachokwadi mumagwaro ayo ekuti ipihwe mvumo yekuchera mangoda kwaMarange.

Asi chief executive officer we ACR, VaAndrew Cranswick, vaudza Sandra Nyaira weStudio7 kuti pfungwa yehurumende yekuda kusungisa kambani yavo, maroto chaiwo nekuti ivo hapana chavakakanganisa.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kutiwo Zimbabwe haifanirwi kupihwa mvumo yekutengesa mangoda pamadiro nekuti kodzero dzevanhu dzichiri kutyorwa kwaMarange.

Vane ruzivo nezviri kuitika vaudza Studio7 kuti nhengo dze KP dzakaenda kunoita ongororo kuZimbabwe mwedzi wapfuura, hadzisi kuwirirana mukunyora gwaro rezvavakaona rinozobatsira kuti Zimbabwe ipihwe kana kunyimwa mvumo.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zve Crisis in Zimbabwe Coalition mudunhu remu Southern Africa, VaDewa Mavhinga, vati zvinhu hazvisati zvaita zvakanaka kwa Marange kuti Zimbabwe ipihwe mvumo yairi kuda yekutengesa mangoda zvisina ongororo yeKP.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvezvicherwa, Va Gift Chimakire, vanoti Zimbabwe yaita zvose zvinodiwa neKP munyaya yemangoda zvekuti vanotarisira kuti vachawana tsigiro kubva kune nhengo zhinji dzeKP ku Israel mwedzi unouya.

XS
SM
MD
LG