Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Kunyorwa kweBumbiro reMitemo Kuri Kuenderera Mberi


Kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo kunotarisirwa kupera muna Gunyana

Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti hapana kudzokera shure pahurongwa hwehurumende hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

VaMatinenga vanoti kunyange hazvo paine makakatanwa pamafambisirwo ebasa rekunyorwa kwebumbiro idzva, hazvirevi kuti hurumende yava kumbosendeka hurongwa uhu semanyorerwo azvaitwa mubepanhau reHerald.

Bepanhau iri raburitsa nyaya yekuti hurongwa uhu hwambosendekwa parutivi nepamusana pekushaya mari uye kusawirirana kuri kuitika pakati pemapato ari muhurumende.

Bepanhau reHerald ratiwo mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira hurongwa uhu, VaPaul Mangwana, ndivo vakati hurongwa hwavo hwambomira. Asi VaMangwana vaudza Studio7 kuti Herald iri kureva nhema.

XS
SM
MD
LG