Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kumutsiridza Makambani Ayo


Hurumende inoti ine hurongwa hwekumutsiridza makambani gumi ari pasi payo, uye ine chivimbo chekuti hurongwa uhu hunge hwavapo panopera gore rino.

Makambani anonzi ari kutarisirwa kumutsiridzwa anoti Grain Marketing Board, Cold Storage Company, Tel-One, Net-One, Zisco, ZESA, National Railways of Zimbabwe, Air Zimbabwe, AgriBank, neNOCZIM.

Mazhinji emakambani aya haasi kushanda zvakanaka, uye mamwe atove pedyo nekuparara.

Gurukota rezvemakambani ehurumende, VaGorden Moyo, vanoti pane vekunze nevemunyika vakatoratidza kare chido chemutsiridza makambani aya.

VaMoyo vanoti nguva yekuzivikanwa kwemakambani aya semisha inoberekerwa huwori nekusafambiswa zvakanaka kwemabasa inofanirwa kupera, kuitira kuti makambani aya ape vana veZimbabwe mabasa nemikana yebudiriro.

XS
SM
MD
LG