Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ichaumba Matare eDzimhosva Anotarisa zveHuwori


Hurumende inoti ine hurongwa hwekuumba matare edzimhosva achange achitarisa nyaya dzehuwori kana mhosva dzine chekuita nenyaya dzehupfumi.

Mugwaro rehurongwa hwe3 Year Macro-Economic Policy and Budget Frame-work, rakaparurwa negurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, hurongwa uhwu huchange huripo kwemakore matatu, kutanga gore ra2010 kusvika gore ra2012.

VaBiti vanoti hurumende ichaonawo kuti komisheni inoona nezvenyaya dzehuwori, yeAnti-Corruption Commission, ichange iine mahofisi mumatunhu ose ari munyika. Pfungwa yekuumba matare anomirira mhosva dzine chekuita neupfumi yakatanga mugore ra2003 asi hapana zvati zvabuda kubva mupfungwa iyi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanoti iyi ipfungwa yakanaka chose, asi chirongwa ichi chichasangana neminzwa nemafeso, sezvo chichanonga vari pamusoro.

XS
SM
MD
LG