Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ichagadzirisa Mitemo yeVashandi neMabasa


Hurumende inoti ichaongorora nechimbichimbi mitemo yemabasa nevashandi kuitira kuti ifambidzane nemamiriro akaita nyaya dzeupfumi munyika.

Bepanhau reHerald rinoti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, svondo rapera vakati mitemo iripo pari zvino hairatidzi chokwadi chemamiriro akaita upfumi hwenyika, uye inoisa makambani parumana nzombe.

VaBiti vakati panofanirwa kuiswa mitemo yakaenzana kumakambani akazvimirira pamwe nehurumende, kuitira kuti mari dzemihoro dzifambidzane nenyaya dzeupfumi.

Asi mashoko aVaBiti asiya atosvora masangano evashandi ayo anoti mashoko akadai haape chimiro chakanaka kumunhu ari mubato rakavambwa nevashandi.

Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vaudza Studio7 kuti zviri kutaurwa nehurumende zvekuti mitemo iripo inotsikirira vashandirwi handizvo zviri kuitika munyika.

XS
SM
MD
LG