Accessibility links

Breaking News

Chiumbwa chaVaNkomo Chobviswa muBulawayo


Hurumende inoti ichabvisa chiumbwa chegamba renyika, uye vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, mushakabvu VaJoshua Nkomo, icho chakadzikwa mwedzi wapera muBulawayo.

Chiumbwa ichi chakaparurwa zviri pamutemo neChitatu nerimwe remakurukota ezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, avo vakabva vazivisa mhomho yakanga yaungana kuzoona chiitiko ichi, kuti chiumbwa ichi chichabviswa panzvimbo iyi sezvo pakanga paita kunyunyuta kubva kumhuri yaVaNkomo.

Mhuri iyi iri kuti chiumbwa ichi hachina kufanana nababa vavo, uye chakaiswa panzvimbo yavainge vasingadi, zvakare vasina kusumwa nezvechirongwa ichi. VaMohadi vakati chiumbwa ichi chichaiswa kunzvimbo inochengeterwa zvinhu zvenhoroondo yenyika.

Nyaya yechiumbwa chaVaNkomo yakambotsviriridzawo zvakare mazuva apfuura, mhuri yavo ichiramba kuti chimwe chidzikwe paKarigamombe muHarare, vachiti zvaive nekunyomba mukati sezvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachizivikanwa zvakare saKarigamombe.

VaNkomo vaishandisa ngunzi semucherechedzo webato ravo pasarudzo dzavakakundwa naVaMugabe muna 1985.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru weCentre for Community Development in Zimbabwe, VaPhilip Pasirayi, pamwe namutori wenhau anoshanda akazvimirira, VaInnocent Sithole, avo vanowirirana nepfungwa yekuti hurumende haina kupa mukana kuvana veZimbabwe pamwe nemhuri yaVaNkomo wekuti vapewo pfungwa dzavo.

XS
SM
MD
LG