Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ichabhadhara Nhengo dzeParamende Chikwereti Chadzo


Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara vati hurumende ichabhadhara chikwereti chemari dzekubatsirikana chaiinacho kunhengo dzedare reParamende pamwe neSeneti kubva padzakapinda mudare muna 2008.

Svondo rapera nhengo dzeparamende dzakatuma VaMutambara kuti vagare pasi nevamwe vavo muhurumende yemubatanidzwa vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai kuti vazeye nyaya dzemari dzekubatsirikana idzi.

Vadare ava vakanga vavimbisawo zvakare kuti havaizopasisa bhajeti regore rinouya, kana vasina kupiwa mari dzavo idzi.

Hurumende inotarisirwa kuburitsa mari inodarika mamiriyoni matatu emadhora uye nhengo imwe chete inotarisirwa kubhadharwa chikwereti chino darika zviuru gumi zvemadhora.

VaMutambara vati hurumende inoremekedza mitemo yenyika, izvo zvaita kuti vatungamiri vatatu ava vawirirane kubhadhara vadare ava chikwereti chavo ichi.

VaMutambara vaudza Studio 7 kuti hurumende haina mari yekupa nhengo idzi parizvino, asi vavimbisa kuti vakawirirana kuti gurukota rezvemari, VaTendai Biti vachatsvaga mari iyi.

XS
SM
MD
LG