Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Hapachina Tariro yeKuti Vanhu Vachawanikwa Vari Vapenyu Mushure meCyclone Idai


Vamwe vagari vekuChanimani neChipinge vanoti vari kutambira zviri kutaurwa nehurumende zvekuti hama dzavo dzinosvika mazana maviri nemakumi mashanu nemasere dzisiri kuzivikanwa kuti dziripi kubva zvakavhiringidza dunhu reManicaland nedutumupengo Idai dzakashaya.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti hapachina tarisiro yekuti vakashaikwa vachawanikwa vari vapenyu uye vakaudza vatori venhau kuti huwandu hwevanhu vakafa nekuda kwedutumupengo Idai hwasvika pamazana matatu nevakumi mana nevana kusanganisa vasiri kuzivikanwa kurta varipi ava.

Asi bazi reUnited Nations reInternational Organization for Migration rinoti vanhu vanodarika mazana mashanu vakashaya nekuda kwedutumupengo iri.

Amai Mutsvangwa vanoti hurumende yave kungobatsira kutsvaga miutumbi kuti iradzikwe zvakanaka.

VaSudate Takarwira vanoti vane mwana aidzidza paNgangu Primary School kuChimanimani anonzi Boniface, uyo vanoti havazivi kuti aripi.

Semubereki, VaTakarwira vanoti shuviro yavo ndeye kuona pakafira mwana wavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG