Accessibility links

Breaking News

Mangoda ekwa Marange Anotengeswa Muchivande


Nhumwe ye Kimberly Process mu Zimbabwe, Va Abbey Chikane, vakapa mvumo yekuti mangoda atengeswe

Mangoda ekwa Marange akatengeswa muchivande mukupera kwesvondo, uye hapana anoziva kuti mangoda mangani uye imari yakawanda zvakadii yakawanikwa.

Munyori webazi rezvicherwa, Va Thankful Msukutwa, vabvuma neChipiri kuti mangoda aya akatengeswa. Nhumwe yeKimberly Process muZimbabwe, Va Abbey Chikane, vati vaiva mu Zimbabwe vakapa mvumo yekuti mangoda aya atengeswe zviri pamutemo.

Asi VaChikane havana kuda kutaura zvizhinji vachiti itsika yenyika zhinji dzinotengesa mangoda kuita zvinhu muchivande vasingashambadzire pasi rose.

Vaongorori vanoti mushure mekunge hurumende yaona kuti mari zhinji yakawanikwa mukutengeswa kwemangoda mwedzi wapera yainga isina kuuya kuhomwe dzayo, uye isina kuwanda sezvaitarisirwa neveruzhinji, yawona zviri nani kuita zvinhu muchivande.

Mangoda akatengeswa mwedzi wapera aiva zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemangoda akacherwa anofanirwa kutengeswa pachitevedzwa mitemo yeKimberly Process.

Va Farai Maguwu ndivo mukuru weCentre for Research and Development, sangano riri kutevera zviri kuitika pamangoda. Va Maguwu vanoti chinodiwa pane ino nguva kugadzira mutemo wekuchera nekutengeswa kwemangoda munyika, uyo unoita kuti mari inobva mukutengeswa kwemangoda igobatsira nyika kwete vashoma.

XS
SM
MD
LG