Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inosendeka Hurongwa hweKurambidzwa Kupinzwa kweMotokari Tsaru


Hurumende yazivisa kuti yamisa kudzikwa kwemutemo unorambidza kupinzwa munyika kwemotokari dzine makore anodarika mashanu, kunyange hazvo motokari dzinotyairwa nekuruboshwe dzichange dzisisabvumidzwi kupinzwa munyika kutanga kwemwedzi unouya.

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaNicholas Goche vakazivisa neChipiri kuti mushure mekunzwa pfungwa dzakasiyana siyana pamusoro pemutemo uyu, hurumende yakaona zvakakodzera kuti irambe ichi bvumidza kupinzwa kwemotokari dzakwegura munyika, sezvo upfumi hwenyika husati hwagadzikana sezvanga zvichitarisirwa.

Sangano revanotakura zvinhu reTransport Operators Association of Zimbabwe, rakanga richikwikwidza mutemo uyu weStatutory Instrument 154, uyo uri pasi peRoad Traffic Act, uyo wanga uchida kushandiswa nehurumende mukurambidza kupinzwa kwemotokari tsaru idzi.

Mutewedzeri wasachigaro weTransport Operators Association of Zimbabwe, VaBernard Lunga vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rafara zvikuru pamusoro pedanho rehurumende iri.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi, VaProsper Chitambara vati danho ratorwa nehurumende iri rakanaka chose sezvo dzimotokari dziri kugadzirwa munyika dzisati dzawanda uye dziri kudhurira veruzhinji, avo vanotambira mari iri pasi.

XS
SM
MD
LG