Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inorasa Mhosva Yanga Ichipomerwa Vana Chiremba vekuAmerica neVamwe


Hurumende yarasa mhosva yekurapa vanhu zvisina mvumo yanga ichipomerwa vana chiremba vana vekuAmerica, mumwe chete wekuZimbabwe, pamwe nemumwe wekuNew Zealand.

Hofisi yemuchuchisi mukuru wehurumende yarasa mhosva iyi vasungwa ava vasina kupiwa mukana wekupikisa.
Vana chiremba ava ndevanoti Gloria Cox Crowell, VaGregory Renard Miller, VaDavid Greenberg naVaAnthony Jones, vose vekuOakland, California muno muAmerica, VaReid Andrew Cheyne vekuNew Zealand, pamwe naVaTembinkosi Ncomanzi vemuZimbabwe.

Vana chiremba ava vakasungwa kutanga kwaGunyana vachipomerwa mhosva yekuvhura makiriniki ekurapa HIV/AIDS muHarare nekwaMutoko vasina mvumo, uye vanga vakabvisiswa mari yechibatiso inoita mazana maviri emadhora pamunhu.

Gweta ranga richimirira vanachiremba ava, VaJonathan Samkange, vaudza Studio 7 kuti vava mubishi kugadzirisa magwaro avana chiremba ava ekuti vashande zvine mvumo munyika.

XS
SM
MD
LG